Mwari baba...
Tino wekwaChikosha ndinochema...
Inzwayi kuchema kwedu
Ndinonzi Tino wekwaChikosha ndiri mwanakomana
Ndiri kunze kwenyika ndichingotsvaga raramo
Zimbabwe yedu ichanakawo here nhai Mwari?
Kusvika riinhi tichiraramira kunze kwenyika?
Chipindurai minamato yedu nhai Mwari
Tamirira mhinduro yenyu nekuvimba
Vazhinji vaishuvira kuona runako rwayo
Asi vamwe vakasvika mukufa vasina kuona
Mwari we-e, inzwayi kuchema kwedu
Moyo yedu inorwadziwa tiri kure kudai
Vamwe vakafira mumasango vachitsvaga upenyu
Zvinorwadza sei kufira kure nemusha
Mwari tipei mhinduro, ponesai nyika yedu
Chipindurai minamato yedu nhai Mwari
Tamirira mhinduro yenyu nekuvimba
Vazhinji vaishuvira kuona runako rwayo
Asi vamwe vakasvika mukufa vasina kuona
Mwari baba... tamirira...
Tino wekwaChikosha ndinonamata...
Ehe, inzwayi kuchema kwedu...
Amen.